Ndinonoka, inga ndauya!

Ndisati ndaona Zimbabwe, ndaifunga kuti ndakapedza kudzidza mitauro. Pandaiva mwana ndaitaura nevabereki vangu chete muchingezi: sekuru anobva kuCuba asi handizivi Spanish. Pandaidzidza muYunivhesiti, ndaida kuroora Lev Tolstoy, saka ndakamhereredza kuti ndinofanira kuenda kuMoscow kuti ndidzidze Russian. Chokwadi, vabereki vaifunga kuti ndinopenga! Mushure menguva kuRussia neUkraine, ndakawanikidza Afrikaans. Handinypei, die boere! Asi ndakawana kuti mabhuku dzanyorwa muAfrikaans dzakarevesawo. (Handifariri “fun,” ndinoda kuverenga zvachose kuti ndicheme kana ndifunge.) Saka ndakaenda kuSouth Africa. Zvino ndinotaura Afrikaans zvakanaka nemurume wangu kukumba kwedu. Ndakaedzawo kudzidza isiXhosa, inga ndakatadza wani. Kundivimbai.

And so. Ndakapedza kudzidza mitauro. Kumirai — zvangazvirinani kuiti ndinoFANIRA kupedza kudzidza mitauro. Ndangwara kwana muchingezi! Asi … hazvibvire. Handingarambi. Ndisati ndaenda kuZimbabwe, ndaziva kuti izvozvi ndine mudiwa ritsva rehupenyu hwangu. Saka ndinoda kukudza: ndinoziva kuti ndinonoka! Dai ndiine mhuri kuHarare. ChiShona inondinakidza nekuti nyika reZimbabwe rine tsika nemagariro rekupopotedzana. Vanhu vazhinji havani kudzidza Zimbabwe vanofunga kuti munyika zviri chete mhiri zhonga. Inga ndinofunga kuti havasi kuverenga “Twitter account” reJonathan Moyo. 😉 Ndinofunga kuti vanhu veZimbabwe vanoda kutaura, kupopota, kurwa. Ndine mukanwa chete.

Nhasi ndamhererezda kutanga “blog” ichanyorwa muchiShona nekuti ndinoda kushandisa mitauro nepose patinogona. Mushure menguva kuZimbabwe, ndajaira kunzwa Shona zuva rega-rega. Asi ndinobasa muguta reBaltimore, saka handichina vanhu vandingataura navo. Ndinogarandichikanganisa. Ndine urombo! Handichanyori nezve hurumende — vanhu veZimbabwe vanonzwisisa ZANU-PF, MDC, etc. inani pana ndinozvinzwisisa. Ndichaezda kunyora svondo rega-rega chete pamusoro pemabhuku, mitauro, nehupenyu hwangu mumakuta zhinji. Ndinoshuva tichandipereka!

1380479_746913422549_7169344927777520450_n

6 thoughts on “Ndinonoka, inga ndauya!

  1. Langton Meende says:

    Nyangwe zvangu ndiriWelding Technician ndakadzidza Shona kusvika A Level nekuti ndinofarira rurimi rwaamai!

    Shungudzangu ndedzekuti Shona isa tsakatika, and your efforts will help.

    Ngazvirambe zvakadaro amai Jackson!

    Like

  2. Kudakwashe Ziwoni says:

    Hahaha mandinakidza nhasi……shuwa murikushaya wekumbotawura naye…….the last time pandakawona video yenyu muchitawura mainyatsogona shona……asi apamanga mazorora kuitawura……..asi muZimbabwe munevamwe vasingatawure zvePolitics , zvadofarira ndezvekuti muZimbabwe hamuna violance sekuSouth Africa and kune low crime rate.

    Like

  3. Hazie says:

    Kunyora kwenyu kunodadisa amai Jackson. Maita kuti ndinzwe manyukunyuku nemufaro. Ndinotarisira kuverenga mamwe magwaro amuchanyora.

    Like

Leave a comment